53. uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaErishama mwanakomana waAmihudhi.
54. Pazuva rorusere Gamarieri mwanakomana waPedhazuri, mutungamiri wavanhu vokwaManase akauya nechipiriso chake.
55. Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;
56. dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi, rizere nezvinonhuwira;
57. Hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete uye mukono mumwe chete wegwayana regore rimwe chete, sechipiriso chinopiswa;
58. nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;
59. uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaGamarieri mwanakomana waPedhazuri.
60. Pazuva repfumbamwe, Abhidhani mwanakomana waGidheoni mutungamiri wavanhu vokwaBhenjamini, akauya nechipiriso chake.
61. Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri zviviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo.
62. Ndiro yegoridhe imwe chete yairema mashekeri gumi, izere nezvinonhuwira;
63. hando yegoridhe imwe chete yairema mashekeri gumi, izere nezvinonhuwira; hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete nomukono wegwayana wegore rimwe chete, kuti zvive chipiriso chinopiswa;
64. nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi
65. uye nzombe mbiri makondohwe mashanu, nhongo dzembudzi shanu namakwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaAbhidhani mwanakomana waGidheoni.
66. Pazuva regumi, Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai, mutungamiriri wavanhu vokwaDhani, akauya nechipiriso.
67. Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;
68. dhishi rimwe chete regoridhe rairema mashekeri gumi rizere nezvinonhuwirira;
69. hando duku imwe chete, gondohwe rimwe chete nomukono mumwe chete wegwayana wegore rimwe chete, sechipiriso chinopiswa;
70. nhongo yembudzi imwe chete yechipiriso chechivi;