Numeri 34:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha akati kuna Mozisi,

2. “Rayira vaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mapinda muKenani, nyika ichagoverwa kwamuri senhaka, ichava nemiganhu iyi:

3. “ ‘Rutivi rwenyu rwezasi ruchasanganisira chikamu cheGwenga reZini chinotevedzana nomuganhu weEdhomu. Muganhu wenyu wezasi, uchatangira kumagumo eGungwa roMunyu nechokumabvazuva,

4. uchiyambukira zasi kweAkirabhimu, uchipfuurira nokuZini uye uchienda nezasi kweKadheshi Bharinea. Ipapo uchazoenda nokuHazari Adhari uchindosvika kuAzimoni,

5. kwaunondopota, wobatana noRukova rweIjipiti uchindogumira paGungwa.

Numeri 34