Numeri 33:5-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. VaIsraeri vakabva paRamesesi vakandodzika misasa yavo paSukoti.

6. Vakabva paSukoti vakandodzika misasa yavo paEtamu, mujinga megwenga.

7. Vakabva paEtamu, vakadzokera shure kuPi Hahiroti, nechokumabvazuva kweBhaari Zefoni, vakandodzika misasa yavo pedyo neMigidhori.

8. Vakabva paPi Hahiroti vakapinda nomugungwa vakaenda murenje, uye vakati vafamba mazuva matatu murenje reEtamu, vakadzika misasa paMara.

Numeri 33