37. Vakabva paKadheshi vakandodzika misasa paGomo reHori, kumuganhu weEdhomu.
38. Aroni muprista akakwira muGomo reHori sezvakarayirwa naJehovha, akandofira imomo pazuva rokutanga romwedzi wechishanu wegore ramakumi mana shure kwokubuda kwavaIsraeri muIjipiti.
39. Aroni akanga ava namakore zana namakumi maviri namatatu pakufa kwake paGomo reHori.
40. Mambo weAradhi muKenani, aigara kuNegevhi kweKenani, akanzwa kuti vaIsraeri vari kuuya.
41. Vakabva kuGomo reHori vakandodzika misasa paZarimona.
42. Vakabva paZarimona vakandodzika misasa paPunoni.
43. Vakabva paPunoni vakandodzika misasa paObhiti.
44. Vakabva paObhiti vakandodzika misasa paIye Abharimi, pamuganhu weMoabhu.
45. Vakabva paIyimi vakandodzika misasa paDhibhoni Gadhi.
46. Vakabva paDhibhoni Gadhi vakandodzika misasa paArimoni Dhibhurataimi.
47. Vakabva paArimoni Dhibhurataimi vakandodzika misasa mumakomo eAbharimi, pedyo neNebho.
48. Vakabva pamakomo eAbharimi vakandodzika misasa pamapani eMoabhu pedyo neJorodhani uchibva kuJeriko.
49. Pamapani eMoabhu ipapo vakadzika misasa vakatevedza Jorodhani kubva kuBheti Jeshimoti kusvikira kuAbheri Shitimu.
50. Pamapani eMoabhu pedyo neJorodhani uchibva kuJeriko, Jehovha akati kuna Mozisi,