Numeri 33:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Hezvino zvinhanho zvorwendo rwavaIsraeri pavakabuda muIjipiti namapoka avo vachitungamirirwa naMozisi naAroni.

2. Mozisi akanyora zvinhanho zvorwendo rwavo. Urwu ndirwo rwendo rwavo nezvinhanho zvarwo:

3. VaIsraeri vakasimuka kubva paRamesesi nezuva regumi namashanu romwedzi wokutanga, zuva rakatevera Pasika. Vakafamba vakabuda vasingatyi pamberi pavaIjipita vose,

4. avo vakanga vachiviga matangwe avo ose, akanga aurayiwa naJehovha pakati pavo; nokuti Jehovha akanga atonga vamwari vavo.

5. VaIsraeri vakabva paRamesesi vakandodzika misasa yavo paSukoti.

6. Vakabva paSukoti vakandodzika misasa yavo paEtamu, mujinga megwenga.

7. Vakabva paEtamu, vakadzokera shure kuPi Hahiroti, nechokumabvazuva kweBhaari Zefoni, vakandodzika misasa yavo pedyo neMigidhori.

8. Vakabva paPi Hahiroti vakapinda nomugungwa vakaenda murenje, uye vakati vafamba mazuva matatu murenje reEtamu, vakadzika misasa paMara.

9. Vakabva paMara vakaenda kuErimu, pakanga pane matsime gumi namaviri nemiti yemichindwe makumi manomwe, uye vakadzika misasa ipapo.

10. Vakabva paErimu vakandodzika misasa paGungwa Dzvuku.

11. Vakabva paGungwa Dzvuku vakandodzika misasa muGwenga reSini.

12. Vakabva muGwenga reSini vakandodzika misasa paDhofika.

13. Vakabva paDhofika vakandodzika misasa paArushi.

14. Vakabva paArushi vakandodzika misasa paRefidhimu, apo pakanga pasina mvura yokuti vanhu vanwe.

15. Vakabva paRefidhimu vakandodzika misasa muGwenga reSinai.

16. Vakabva muGwenga reSinai vakandodzika misasa paKibhuroti Hatava.

17. Vakabva paKibhuroti Hatava vakandodzika misasa paHazeroti.

Numeri 33