Numeri 32:31-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

31. VaGadhi navaRubheni vakapindura vakati, “Varanda venyu vachaita zvarehwa naJehovha.

32. Tichayambuka mhiri pamberi paJehovha tigopinda muKenani, takashonga nhumbi dzokurwa nadzo, asi nhaka yatichawana ichava kudivi rino reJorodhani.”

33. Ipapo Mozisi akapa kuvaGadhi, navaRubheni nerudzi rwehafu rwaManase, mwanakomana waJosefa, umambo hwaSihoni mambo wavaAmori noumambo hwaOgi mambo weBhashani, nyika yose namaguta ayo uye nenyika dzose dzakavapoteredza.

34. VaGadhi vakavaka Dhibhoni, Ataroti, Aroeri,

35. Ataroti Shafani, Jazeri, Jogubheha,

36. Bheti Nimura neBheti Harani samaguta akakomberedzwa, uye vakavaka matanga amakwai avo.

37. Uye vaRubheni vakavakazve Heshibhoni, Ereare Kiriatihaimi,

Numeri 32