8. uye akatevera muIsraeri uyo mutende. Akavabaya vose vari vaviri nepfumo kamwe chete, rikabaya muIsraeri rikapfuurira kundobaya muviri muMidhiani. Ipapo denda rakanga riri pamusoro pavaIsraeri rakaguma;
9. asi vose vakanga vafa nedenda vakasvika zviuru makumi maviri nezvina.
10. Jehovha akati kuna Mozisi,
11. “Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, muprista adzora kutsamwa kwangu kubva pavaIsraeri; nokuti akanga ane shungu sedzangu nokuda kwokusakudzwa kwangu pakati pavo, saka handina kuzovaparadza neshungu dzangu.