Numeri 25:6-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Ipapo mumwe murume muIsraeri akauyisa kumhuri yake mukadzi womuMidhiani pamberi paMozisi chaipo, ungano yose yaIsraeri pavakanga vachichema vari pamukova weTende Rokusangana.

7. Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, muprista, akati achizviona, akabva paungano, akatora pfumo muruoko rwake;

8. uye akatevera muIsraeri uyo mutende. Akavabaya vose vari vaviri nepfumo kamwe chete, rikabaya muIsraeri rikapfuurira kundobaya muviri muMidhiani. Ipapo denda rakanga riri pamusoro pavaIsraeri rakaguma;

9. asi vose vakanga vafa nedenda vakasvika zviuru makumi maviri nezvina.

10. Jehovha akati kuna Mozisi,

11. “Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, muprista adzora kutsamwa kwangu kubva pavaIsraeri; nokuti akanga ane shungu sedzangu nokuda kwokusakudzwa kwangu pakati pavo, saka handina kuzovaparadza neshungu dzangu.

Numeri 25