Numeri 24:21-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Ipapo akaona vaKeni uye akataura chirevo chake achiti:“Ugaro hwako hwakachengetedzeka, dendere rako rakavakwa padombo;

22. asi imi vaKeni muchaparadzwa, Ashuri paachakutapai.”

23. Ipapo akataura chirevo chake akati:“Haiwa, ndianiko angararama kana Mwari akaita izvi?

Numeri 24