Numeri 12:14-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Jehovha akapindura Mozisi achiti, “Dai baba vake vanga vamupfira kumeso kwake, haazainyara kwamazuva manomwe here? Mubudise kunze kwomusasa kwamazuva manomwe; mugomudzosa henyu pashure.”

15. Saka Miriamu akabudiswa kunze kwomusasa kwamazuva manomwe, uye vanhu havana kupfuurira mberi kusvikira adzoswa.

16. Shure kwaizvozvo, vanhu vakabva paHazeroti vakandodzika musasa muRenje reParani.

Numeri 12