1. Miriamu naAroni vakatanga kupopotera Mozisi nokuda kwomukadzi wake aiva muEtiopia, nokuti akanga awana muEtiopia.
2. “Ko, Jehovha akangotaura naMozisi oga here? Ko, haana kutaura kubudikidza nesuwo here?” Uye Jehovha akazvinzwa.
3. Zvino Mozisi akanga ari munhu akapfava kwazvo, akapfava kupfuura ani zvake pamusoro penyika.
4. Pakarepo Jehovha akati kuna Mozisi, Aroni naMiriamu, “Budai muuye kuTende Rokusangana, mose muri vatatu.” Saka vakabuda ivo vari vatatu.