Numeri 1:4-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Murume mumwe chete kubva kurudzi rumwe norumwe, mumwe nomumwe ari mukuru wemhuri yake.

5. Aya ndiwo mazita avarume vanofanira kukubatsira: kubva kwaRubheni, Erizuri mwanakomana waShedheuri;

6. kubva kwaSimeoni, Sherumieri mwanakomana waZurishadhai;

7. kubva kwaJudha, Nashoni mwanakomana waAminadhabhi;

8. kubva kwaIsakari, Netaneri mwanakomana waZuari;

9. kubva kwaZebhuruni, Eriabhu mwanakomana waHeroni;

10. kubva kuvanakomana vaJosefa:kubva kuna Efuremu, Erishama mwanakomana waAmihudhi;kubva kuna Manase, Gamarieri mwanakomana waPedhazuri;

11. kubva kwaBhenjamini, Abhidhani mwanakomana waGidheoni;

12. kubva kwaDhani, Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai;

13. kubva kwaAsheri, Pagieri mwanakomana waOkirani;

14. kubva kwaGadhi, Eriasafi mwanakomana waDheueri;

15. kubva kwaNafutari, Ahira mwanakomana waEnani.”

16. Ava ndivo varume vakatsaurwa kubva paungano, ivo vatungamiri vamarudzi amadzibaba avo. Ndivo vaiva vakuru vedzimba dzavaIsraeri.

17. Mozisi naAroni vakatora varume ava vane mazita avakanga vapiwa,

18. vakaunganidza ungano yose pamwe chete nezuva rokutanga romwedzi wechipiri. Vanhu vakaratidza madzitateguru avo, nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo, uye varume vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vakanyorwa mazita avo mumwe nomumwe,

19. sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Nokudaro akavaverenga muRenje reSinai:

20. Kubva kuzvizvarwa zvaRubheni mwanakomana wedangwe waIsraeri:Varume vose vaiva namakore makumi maviri kana anodarika vaigona kurwa muhondo vakaverengwa uye vakanyorwa mazita, mumwe nomumwe, maererano nezvinyorwa zvedzimba dzavo uye nezvemhuri dzavo.

Numeri 1