1. Jehovha akataura naMozisi muTende Rokusangana, vari murenje reSinai, nezuva rokutanga romwedzi wechipiri, mugore rechipiri shure kwokubuda kwavaIsraeri muIjipiti, achiti,
2. “Verenga ungano yose yavaIsraeri nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo, uchinyora murume wose wose nezita rake, mumwe nomumwe.
3. Iwe naAroni munofanira kuverenga varume vose vari muIsraeri namapoka avo vane makore makumi maviri kana anodarika vanogona kurwa muhondo.
4. Murume mumwe chete kubva kurudzi rumwe norumwe, mumwe nomumwe ari mukuru wemhuri yake.
5. Aya ndiwo mazita avarume vanofanira kukubatsira: kubva kwaRubheni, Erizuri mwanakomana waShedheuri;
6. kubva kwaSimeoni, Sherumieri mwanakomana waZurishadhai;
7. kubva kwaJudha, Nashoni mwanakomana waAminadhabhi;
8. kubva kwaIsakari, Netaneri mwanakomana waZuari;
9. kubva kwaZebhuruni, Eriabhu mwanakomana waHeroni;
10. kubva kuvanakomana vaJosefa:kubva kuna Efuremu, Erishama mwanakomana waAmihudhi;kubva kuna Manase, Gamarieri mwanakomana waPedhazuri;
11. kubva kwaBhenjamini, Abhidhani mwanakomana waGidheoni;
12. kubva kwaDhani, Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai;
13. kubva kwaAsheri, Pagieri mwanakomana waOkirani;
14. kubva kwaGadhi, Eriasafi mwanakomana waDheueri;
15. kubva kwaNafutari, Ahira mwanakomana waEnani.”