Nehemia 11:14-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. nehama dzake, vaiva varume voumhare, zana namakumi maviri navasere. Mutariri wavo mukuru aiva Zedhudhieri mwanakomana waHagedhorimi.

15. Vaibva kuvaRevhi ndeava: Shemaya mwanakomana waHashubhi, mwanakomana waAzirikami, mwanakomana waHashabhia, mwanakomana waBhuni;

16. Shabhetai naJozabhadhi, vari vaviri vaiva vakuru vavaRevhi, vari vatariri vamabasa okunze kweimba yaMwari;

17. Matania mwanakomana waMika, mwanakomana waZabhidhi, mwanakomana waAsafi, mukuru aitungamirira pakuvonga nokunyengetera; Bhakubhukia, aiva wechipiri paukuru pakati pehama dzake; naAbhudha mwanakomana waShamua, mwanakomana waGarari, mwanakomana waJedhutuni.

18. VaRevhi vaiva muguta dzvene vaisvika mazana maviri namakumi masere navana.

19. Vachengeti vamasuo: Akubhi, naTarimoni nehama dzavo, ndivo vaichengeta musuo, varume vaisvika zana namakumi manomwe navaviri.

20. Vamwe vaIsraeri vose, navaprista navaRevhi, vaiva mumaguta ose eJudha, mumwe nomumwe panhaka yake.

Nehemia 11