10. Kunyange zvakadaro yakatapwa ikaendeswa muutapwa. Vacheche varo vakaputsanyiwa kumavambo kwemigwagwa yose. Mijenya yakakandwa pamusoro pemachinda avo, uye vakuru vavo vakasungwa nengetani.
11. Newewo uchadhakwa; uchavanda ugotsvaka utiziro kubva kumuvengi wako.
12. Nhare dzako dzose dzafanana nemiti yemionde ine michero yokutanga yaibva; paanozunzwa, maonde anodonhera mumuromo momudyi.
13. Tarira mauto ako, vose vakadzi! Masuo enyika yako akazarurirwa kuvavengi vako; moto waparadza mazariro awo.