1. Rine nhamo guta reropa, rizere nenhema, rizere nezvakapambwa, harigari risina varinotambudza!
2. Kurira kwetyava, utsvikitsviki hwamavhiri, mutsindo wamabhiza nomubvumo wokutinhira kwengoro!
3. Kumhanya kwavatasvi vamabhiza, kupenya kweminondo namapfumo anovaima! Vazhinji vakaurayiwa, mirwi yevakafa, mitumbi isingaverengeki, vanhu vachigumburwa nezvitunha.
4. Zvose izvi nokuda kwokuchiva kuzhinji kwechifeve, chinokwezvera, mukuru wouroyi, akatapa ndudzi noufeve hwake namarudzi avanhu nouroyi hwake.
5. “Ndine mhaka newe,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Ndicharatidza ndudzi kushama kwako namadzimambo kunyadziswa kwako.