Muparidzi 7:27-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. Muparidzi anoti, “Tarira, izvi ndizvo zvandakawana:“Ndichisanganisa chimwe nechimwe kuti ndiwane marongerwo ezvinhu,

28. pandakanga ndichiri kutsvaka asi ndisina chandinowana, ndakawana murume mumwe chete akarurama pakati pechiuru, asi handina kuwana mukadzi mumwe chete akarurama pakati pavo vose.

29. Chinhu ichi chete ndicho chandakawana chokuti: Mwari akaita vanhu vakarurama, asi vanhu vakaenda kundotsvaka mano mazhinji.”

Muparidzi 7