Muparidzi 10:18-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Kana munhu ari simbe, denga remba rinosakara; kana achigarira maoko, imba inobvinza.

19. Mabiko anoitirwa kuseka, uye waini inofadza upenyu, asi mari imhinduro kune zvose.

20. Usatuka mambo kunyange mupfungwa dzako, kana kutuka mupfumi paimba yako yokuvata, nokuti shiri yedenga ingangotakura mashoko ako, uye china mapapiro chingangozivisa zvawataura.

Muparidzi 10