Mika 5:4-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Achamira agofudza boka rake musimba raJehovha, muukuru hwezita raJehovha Mwari wake. Uye vachagara norugare, nokuti ipapo kukura kwake kuchasvika kumagumo enyika.

5. Uye iye achava rugare rwavo.

6. Vachatonga nyika yeAsiria nomunondo, nyika yaNimurodhi nomunondo wakavhomorwa. Achatirwira kubva kumuAsiria paachapinda munyika yedu nokupinda pamiganhu yedu.

7. Vakasara vaJakobho vachava pakati pamarudzi akawanda, sedova rinobva kuna Jehovha, sokunaya kwemvura pauswa, zvisingamiriri munhu kana kugaririra vanhu.

8. Vakasara vaJakobho vachava pakati pendudzi, pakati poruzhinji rwamarudzi, seshumba pakati pezvikara zvesango, seshumba duku pakati pamapoka amakwai, inotsika nokubvambura ichienda, uye pasina anogona kununura.

9. Ruoko rwenyu ruchasimudzwa mukukunda uye vadzivisi venyu vose vachaparadzwa.

10. “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndichaparadza mabhiza enyu pakati penyu uye ndichapwanya ngoro dzenyu.

11. Ndichaparadza maguta enyika yenyu uye ndichaputsa muzinda yenyu yose.

12. Ndichaparadza uroyi hwako uye hauchazovizve navavuki.

13. Ndichaparadza zvifananidzo zvenyu zvakavezwa neshongwe dzenyu pakati penyu; hamuchazokotamiri kubasa ramaoko enyu.

14. Ndichadzura kubva pakati penyu matanda aAshera uye ndichaparadza maguta enyu.

15. Ndichatsiva nokutsamwa nehasha kundudzi dzisina kunditeerera.”

Mika 5