Mika 5:13-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Ndichaparadza zvifananidzo zvenyu zvakavezwa neshongwe dzenyu pakati penyu; hamuchazokotamiri kubasa ramaoko enyu.

14. Ndichadzura kubva pakati penyu matanda aAshera uye ndichaparadza maguta enyu.

15. Ndichatsiva nokutsamwa nehasha kundudzi dzisina kunditeerera.”

Mika 5