2. achiti, “Tendeukai, nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo.”
3. Uyu ndiye akataurwa kubudikidza nomuprofita Isaya zvichinzi:“Inzwi rounodanidzira murenje richiti,‘Gadzirai nzira yaShe,ruramisai migwagwa yake.’ ”
4. Nguo dzaJohani dzakanga dzakagadzirwa nemvere dzengamera uye akanga akasunga bhanhire redehwe muchiuno chake. Zvokudya zvake zvaiva mhashu nouchi.
5. Vanhu vakabuda vakaenda kwaari vachibva muJerusarema nomuJudhea yose nomudunhu rose reJorodhani.
6. Vachireurura zvivi zvavo vakabhabhatidzwa naye murwizi rweJorodhani.