Mateo 3:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mumazuva iwayo Johani Mubhabhatidzi akauya achiparidza murenje reJudhea,

2. achiti, “Tendeukai, nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo.”

3. Uyu ndiye akataurwa kubudikidza nomuprofita Isaya zvichinzi:“Inzwi rounodanidzira murenje richiti,‘Gadzirai nzira yaShe,ruramisai migwagwa yake.’ ”

4. Nguo dzaJohani dzakanga dzakagadzirwa nemvere dzengamera uye akanga akasunga bhanhire redehwe muchiuno chake. Zvokudya zvake zvaiva mhashu nouchi.

5. Vanhu vakabuda vakaenda kwaari vachibva muJerusarema nomuJudhea yose nomudunhu rose reJorodhani.

6. Vachireurura zvivi zvavo vakabhabhatidzwa naye murwizi rweJorodhani.

7. Asi paakaona vaFarisi navaSadhusi vachiuya kwaaibhabhatidzira akati kwavari, “Imi vana venyoka! Ndiani akakuyambirai kuti mutize kutsamwa kuchauya?

8. Berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka.

Mateo 3