1. Mumazuva iwayo Johani Mubhabhatidzi akauya achiparidza murenje reJudhea,
2. achiti, “Tendeukai, nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo.”
3. Uyu ndiye akataurwa kubudikidza nomuprofita Isaya zvichinzi:“Inzwi rounodanidzira murenje richiti,‘Gadzirai nzira yaShe,ruramisai migwagwa yake.’ ”
4. Nguo dzaJohani dzakanga dzakagadzirwa nemvere dzengamera uye akanga akasunga bhanhire redehwe muchiuno chake. Zvokudya zvake zvaiva mhashu nouchi.
5. Vanhu vakabuda vakaenda kwaari vachibva muJerusarema nomuJudhea yose nomudunhu rose reJorodhani.