42. “Akaponesa vamwe, asi haagoni kuzviponesa! Ndiye Mambo weIsraeri! Ngaaburuke zvino pamuchinjikwa tigotenda kwaari.
43. Anovimba naMwari ngaachimununura iye zvino kana achimuda, nokuti akati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’ ”
44. Nenzira imwe cheteyo makororo akanga arovererwa pamwe chete naye akamutukawo.
45. Kubva panguva yechitanhatu kusvika panguva yepfumbamwe rima rakavapo panyika yose.