3. Judhasi uya akanga amupandukira akati, aona kuti Jesu atongerwa rufu, akazvidemba kwazvo ndokubva adzosera makumi matatu esirivha aya kuvaprista vakuru navakuru.
4. Akasvikoti, “Ndatadza, nokuti ndapandukira ropa risina mhosva.”Vakamupindura vachiti, “Zvinei nesu? Ndezvako izvo.”
5. Saka Judhasi akakanda mari iya mutemberi akabva akaenda akandozvisungirira.
6. Vaprista vakuru vakanhonga mari iya vakati, “Hazvitenderwi nomurayiro kuti tiise mari iyi mudura remari, sezvo iri mari yeropa.”
7. Saka vakazotenderana kuti vaishandise kutenga munda womuumbi wehari kuti ugova nzvimbo yokuviga vatorwa.
8. Naizvozvo wakanzi Munda Weropa kusvikira zuva ranhasi.
9. Ipapo zvakabva zvazadziswa zvakataurwa nomuprofita Jeremia zvinoti, “Vakatora makumi matatu esirivha, mutengo waakatengeswa nawo navanhu veIsraeri,
10. uye vakaashandisa kutenga nawo munda womuumbi wehari, sokurayirwa kwandakaitwa naIshe.”