8. Vadzidzi vakati vachiona izvi, vakatsamwa uye vakati, “Kuparadza kwakadai kwaitirweiko?
9. Mafuta anonhuwira angadai atengeswa nomutengo mukuru kwazvo uye mari yacho yapiwa varombo.”
10. Achiziva izvi, Jesu akati kwavari, “Munotambudzireiko mukadzi uyu? Andiitira chinhu chakanaka kwazvo.
11. Varombo munavo nguva dzose, asi ini hamuneni nguva dzose.
12. Paadira mafuta anonhuwira pamuviri wangu, azviita kuti agadzirire kuvigwa kwangu.
13. Ndinokuudzai chokwadi kuti, kwose kwose kuchaparidzwa vhangeri iri munyika yose, zvaaita izvi zvichange zvichitaurwawo kuti vamurangarire nazvo.”
14. Ipapo mumwe wavane gumi navaviri, ainzi Judhasi Iskarioti, akaenda kuvaprista vakuru