1. Jesu akati apedza kutaura zvinhu izvi zvose, akati kuvadzidzi vake,
2. “Sezvamunoziva, Pasika yasarirwa namazuva maviri kuti isvike, Mwanakomana woMunhu achaendeswa kuti andorovererwa pamuchinjikwa.”
3. Ipapo vaprista vakuru navakuru vavanhu vakandoungana mumuzinda womuprista mukuru, ainzi Kaifasi,
4. uye vakarangana kuti vasunge Jesu namano vagomuuraya.
5. Vakati, “Asi kwete panguva yoMutambo nokuti pangaita bope pakati pavanhu.” namazana amadhora
6. Jesu paakanga ari muBhetani mumba momurume ainzi Simoni waMaperembudzi,
7. mumwe mukadzi akauya kwaari nechinu chamafuta anonhuwira, omutengo mukuru, akasvikoadururira pamusoro wake, agere patafura.