Mateo 14:33-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

33. Zvino vaya vaiva mugwa vakamunamata vachiti, “Chokwadi muri Mwanakomana waMwari.”

34. Kuzoti vayambukira mhiri, vakaburukira paGenesareti.

35. Uye varume venzvimbo iyoyo vakati vamuziva, vakatumira shoko mudunhu rose rakapoteredza. Vanhu vakauya navarwere vavo vose kwaari

36. uye vakamukumbira zvikuru kuti abvumire varwere kuti vangobata mupendero wenguo yake uye vose vakamubata vakaporeswa.

Mateo 14