Mateo 10:6-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Asi endai kumakwai akarasika eimba yaIsraeri.

7. Pamunoenda, muparidze muchiti, ‘Umambo hwokudenga hwaswedera.’

8. Poresai vanorwara, mutsai vakafa, natsai vaya vana maperembudzi, dzingai madhimoni. Makangogamuchira, chingopai henyu.

9. Musatakura goridhe, kana sirivha kana ndarira, muzvikwama zvenyu;

10. musatakura hombodo yorwendo kana dzimwe nguo, shangu kana tsvimbo nokuti mushandi anofanira kurarama nomubayiro webasa rake.

Mateo 10