Mateo 10:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Akadana vadzidzi vake gumi navaviri akavapa simba rokudzinga mweya yakaipa nokuporesa marudzi ose ezvirwere namarudzi ose ehosha.

2. Zvino aya ndiwo mazita avapostori gumi navaviri: wokutanga ndiSimoni ainzi (Petro) nomunun'una wake Andirea; Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomunun'una wake Johani;

3. Firipi naBhatoromeo; Tomasi naMateo muteresi; Jakhobo mwanakomana waArifeo naTadheo;

4. Simoni muZiroti naJudhasi Iskarioti uyo akazomupandukira.

5. Ava gumi navaviri Jesu akavatuma, akavarayira achiti, “Musaenda munzira yavaHedheni kana kupinda muguta ripi zvaro ravaSamaria.

Mateo 10