Mateo 1:22-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Izvi zvose zvakaitika kuti zvizadzise zvakanga zvataurwa naIshe kubudikidza navaprofita vake zvokuti:

23. “Mhandara ichava napamuviri, igozvara mwana mukomana, uye vachamutumidza zita rokuti Emanueri, zvichireva kuti, ‘Mwari anesu.’ ”

24. Josefa paakapepuka, akaita sezvaakanga arayirwa nomutumwa waIshe, uye akatora Maria somukadzi wake,

25. asi haana kusangana naye kusvikira azvara mwana mukomana. Akamutumidza zita rokuti Jesu.

Mateo 1