1. Iyi ndiyo nhoroondo yamadzitateguru aJesu Kristu mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahama:
2. Abhurahama aiva baba vaIsaka,Isaka baba vaJakobho,Jakhobho baba vaJudha namadzikoma ake, navanun'una vake,
3. Judha baba vaPerezi naZera,mai vake vaiva Tamari,Perezi baba vaHezironi,Hezironi baba vaRamu,
4. Ramu baba vaAminadhabhu,Aminadhabhu baba vaNashoni,Nashoni baba vaSarimoni,
5. Sarimoni baba vaBhoazi,mai vake vari Rahabhu,Bhoazi baba vaObhedhi, mai vake vari Rute,Obhedhi baba vaJese,
6. naJese baba vamambo Dhavhidhi.Dhavhidhi aiva baba vaSoromoni, mai vake ndivo vaimbova mukadzi waUria.
7. Soromoni baba vaRehobhoamu,Rehobhoamu baba vaAbhija,Abhija baba vaAsa,
8. Asa baba vaJehoshofati,Jehoshafati baba vaJehoramu,Jehoramu baba vaUzia,
9. Uzia baba vaJotamu,Jotamu baba vaAhazi,Ahazi baba vaHezekia.
10. Hezekia baba vaManase,Manase baba vaAmoni,Amoni baba vaJosia,
11. naJosia baba vaJekonia navanun'una vake panguva yavaiva muutapwa muBhabhironi.
12. Vabva kuutapwa kuBhabhironi:Jekonia aiva baba vaShearitieri,Shearitieri baba vaZerubhabheri,
13. Zerubhabheri baba vaAbhiudhi,Abhiudhi baba vaEriakimu,Eriakimu baba vaAzori.
14. Azori baba vaZadhoki,Zadhoki baba vaAkimu,Akimu baba vaEriudhi,