Mapisarema 99:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha anobata ushe, ndudzi ngadzidedere; anogara pachigaro choushe chiri pakati pamakerubhi, nyika ngaizungunuke.

2. Jehovha mukuru paZioni; iye akasimudzirwa pamusoro pendudzi dzose.

3. Ngavarumbidze zita renyu guru rinotyisa, iye mutsvene.

4. Mambo mukuru, anoda kururamisira, imi makasimbisa kururama; muna Jakobho makaita kururamisira nokururama.

5. Kudzai Jehovha Mwari wedu nokunamata pachitsiko chetsoka dzake; iye mutsvene.

6. Mozisi naAroni vakanga vari pakati pavaprista vake, Samueri akanga ari pakati paavo vaidana kuzita rake, vakadana kuna Jehovha akavapindura.

Mapisarema 99