Mapisarema 98:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa; ruoko rwake rworudyi nechanza chake chitsvene zvakamukundisa.

2. Jehovha akazivisa ruponeso rwake uye akaratidza kururama kwake kundudzi,

3. Akarangarira rudo rwake nokutendeka kwake kuimba yaIsraeri; migumo yose yenyika yakaona ruponeso rwaMwari wedu.

4. Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika yose, imbai nziyo mupembere nomufaro;

Mapisarema 98