Mapisarema 97:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha anobata ushe, nyika ngaifare; zviwi zviri kure ngazvifare.

2. Makore nerima guru zvakamukomberedza; kururama nokururamisira ndidzo nheyo dzechigaro chake choushe.

3. Moto unoenda mberi kwake uchipisa vavengi vake kumativi ose.

4. Mheni yake inovhenekera pasi; nyika inozviona igodedera.

5. Makomo anonyungudika senamo pamberi paJehovha, pamberi paIshe wenyika yose.

6. Kudenga denga kunoparidza kururama kwake, uye vanhu vose vanoona kubwinya kwake.

Mapisarema 97