Mapisarema 96:7-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Remekedzai Jehovha, imi mhuri dzavanhu, ipai rukudzo nesimba kuna Jehovha.

8. Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake; uyai nechipiriso mugopinda pavanze dzake.

9. Namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake; dederai pamberi pake, imi nyika dzose.

10. Muti pakati pendudzi, “Jehovha ndiye anobata ushe.” Nyika yakanyatsosimbiswa, haingazungunuswi; uye achatonga marudzi nokururama.

11. Kudenga denga ngakufare, nyika ngaifarisise; gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mariri;

12. masango ngaafare, nezvose zviri maari. Ipapo miti yose yesango ichaimba nomufaro.

13. ichaimba pamberi paJehovha, nokuti anouya, anouya kuzotonga nyika. Achatonga nyika nokururama, uye vanhu nechokwadi chake.

Mapisarema 96