Mapisarema 96:4-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kurumbidzwa, iye anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose.

5. Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo, asi Jehovha akaita matenga.

6. Kubwinya noumambo zviri pamberi pake; simba nokubwinya zviri munzvimbo yake tsvene.

7. Remekedzai Jehovha, imi mhuri dzavanhu, ipai rukudzo nesimba kuna Jehovha.

8. Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake; uyai nechipiriso mugopinda pavanze dzake.

9. Namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake; dederai pamberi pake, imi nyika dzose.

10. Muti pakati pendudzi, “Jehovha ndiye anobata ushe.” Nyika yakanyatsosimbiswa, haingazungunuswi; uye achatonga marudzi nokururama.

Mapisarema 96