Mapisarema 94:2-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Simukai, imi Mutongi wenyika; tsivai zvakafanira vanozvikudza.

3. Haiwa Jehovha, vakaipa vachasvika riniko, vachasvika riniko vakaipa vachingofara?

4. Vanodurura mashoko okuzvikudza; vose vanoita zvakaipa vazere nokuzvirumbidza.

5. Vanopwanya vanhu venyu, imi Jehovha, vanodzvinyirira nhaka yenyu.

6. Vanouraya chirikadzi nomweni; vanoponda nherera.

7. Vanoti, “Jehovha haaoni; Mwari waJakobho haana hanya.”

8. Nzwisisai, imi vasina njere pakati pavanhu; imi mapenzi, muchava vakachenjera riniko?

9. Ko, iye akasima nzeve, haanganzwi here? Iye akaumba ziso haangaoni here?

10. Ko, iye anoranga ndudzi haangarangi here? Anodzidzisa vanhu angashayiwa zivo here?

11. Jehovha anoziva mirangariro yavanhu; anoziva kuti haina maturo.

Mapisarema 94