Mapisarema 94:14-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Nokuti Jehovha haangarambi vanhu vake; haangambosiyi nhaka yake.

15. Kutonga kuchawanikwazve pamusoro pavakarurama, uye vose vakarurama pamwoyo vachakutevera.

16. Ndianiko achandirwira pane vakaipa? Ndianiko achandibatsira pavaiti vezvakaipa?

17. Dai Jehovha asina kundibatsira, ndingadai ndakakurumidza kugara parunyararo rworufu.

18. Pandakati, “Rutsoka rwangu rwotedzemuka,” rudo rwenyu, imi Jehovha, rwakanditsigira.

Mapisarema 94