Mapisarema 94:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Haiwa Jehovha, imi Mwari anotsiva, haiwa Mwari iyemi munotsiva, penyai.

2. Simukai, imi Mutongi wenyika; tsivai zvakafanira vanozvikudza.

3. Haiwa Jehovha, vakaipa vachasvika riniko, vachasvika riniko vakaipa vachingofara?

4. Vanodurura mashoko okuzvikudza; vose vanoita zvakaipa vazere nokuzvirumbidza.

5. Vanopwanya vanhu venyu, imi Jehovha, vanodzvinyirira nhaka yenyu.

Mapisarema 94