Mapisarema 93:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha anobata ushe, akashongedzwa noumambo; Jehovha akashongedzwa noumambo uye akafukidzwa nesimba. Nyika yakateyiwa zvakasimba; haingazungunuswi.

2. Chigaro chenyu choushe chakasimbiswa kare kare; imi muripo nokusingaperi.

3. Haiwa Jehovha, makungwa akasimudza, makungwa akasimudza manzwi awo; makungwa akasimudza mafungu anotinhira.

4. Mukuru kukunda mutinhiro wemvura zhinji, mukuru kukunda mafungu egungwa, Jehovha ari kumusoro ndiye mukuru.

Mapisarema 93