Mapisarema 91:10-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. ipapo hapana chakaipa chichakuwira, hakuna njodzi ichasvika patende rako.

11. Nokuti acharayira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete panzira dzako dzose;

12. vachakusimudza mumaoko avo, kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo.

13. Uchatsika pamusoro peshumba napamusoro pechiva; uchatsika-tsika shumba huru nenyoka.

14. “Nokuti anondida,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “neni ndichamununura; ndichamudzivirira, nokuti anoziva zita rangu.

Mapisarema 91