15. Tifadzei zvinoenzana namazuva amakatitambudza, samakore mazhinji atakaona nhamo.
16. Mabasa enyu ngaaratidzwe kuvaranda venyu, nokubwinya kwenyu kuvana vavo.
17. Nyasha dzaIshe Mwari wedu ngadzive pamusoro pedu; tisimbisirei mabasa amaoko edu, hongu, simbisai basa ramaoko edu.