Mapisarema 9:3-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Vavengi vangu vanodzokera shure; vanogumburwa uye vanoparara pamberi penyu.

4. Nokuti makatsigira kodzero yangu nemhosva yangu; makagara pachigaro chenyu choushe, muchitonga zvakarurama kwazvo.

5. Makatuka ndudzi mukaparadza vakaipa; makadzima zita ravo nokusingaperi.

6. Kuparadzwa kusina magumo kwakakunda muvengi, makadzura maguta avo; kunyange chiyeuchidzo chavo chakaparara.

7. Jehovha anotonga nokusingaperi; akasimbisa chigaro chake choushe kuti atonge.

8. Achatonga nyika nokururama; achatonga marudzi nokururamisira.

9. Jehovha ndiye nhare yavakamanikidzwa, nhare yakasimba panguva yokutambudzika.

10. Vanoziva zita renyu vachavimba nemi, nokuti imi, Jehovha hamuna kumbosiya avo vanokutsvakai.

Mapisarema 9