Mapisarema 9:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose; ndichataura pamusoro pezvishamiso zvenyu zvose.

2. Ndichafara nokufarisisa mamuri; ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusoro-soro.

3. Vavengi vangu vanodzokera shure; vanogumburwa uye vanoparara pamberi penyu.

4. Nokuti makatsigira kodzero yangu nemhosva yangu; makagara pachigaro chenyu choushe, muchitonga zvakarurama kwazvo.

Mapisarema 9