Mapisarema 89:8-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Haiwa Jehovha Mwari Wamasimba Ose, ndianiko akaita semi? Mune simba, imi Jehovha, uye kutendeka kwenyu kunokupoteredzai.

9. Munotonga pamusoro pokusunda kwegungwa; mafungu aro paanosimuka, munoanyaradza.

10. Makapwanya Rahabhi somumwe wavakaurayiwa; makaparadzira vavengi venyu noruoko rwenyu rune simba.

11. Matenga ndeenyu, nenyika ndeyenyuwo; makavamba nyika nezvose zviri mairi.

12. Ndimi makasika kumusoro nezasi; Tabhori neHerimoni zvinoimbira zita renyu nomufaro.

Mapisarema 89