7. Mwari anotyiwa zvikuru paungano yavatsvene; iye anotyisa kwazvo kupfuura vose vakamupoteredza.
8. Haiwa Jehovha Mwari Wamasimba Ose, ndianiko akaita semi? Mune simba, imi Jehovha, uye kutendeka kwenyu kunokupoteredzai.
9. Munotonga pamusoro pokusunda kwegungwa; mafungu aro paanosimuka, munoanyaradza.
10. Makapwanya Rahabhi somumwe wavakaurayiwa; makaparadzira vavengi venyu noruoko rwenyu rune simba.
11. Matenga ndeenyu, nenyika ndeyenyuwo; makavamba nyika nezvose zviri mairi.
12. Ndimi makasika kumusoro nezasi; Tabhori neHerimoni zvinoimbira zita renyu nomufaro.
13. Ruoko rwenyu rwakazara nesimba; chanza chenyu chine simba, ruoko rwenyu rworudyi rwakasimudzwa.
14. Kururama nokururamisira ndidzo nheyo dzechigaro chenyu choushe; rudo nokutendeka zvinokutungamirirai.
15. Vakaropafadzwa avo vakadzidza kukurumbidzai, vanofamba muchiedza pamberi penyu, imi Jehovha.
16. Vanofara muzita renyu zuva rose; vanofara mukururama kwenyu.
17. Nokuti imi ndimi kubwinya nesimba ravo, uye nenyasha dzenyu munosimudzira runyanga rwedu.
18. Zvirokwazvo, nhoo yedu ndeyaJehovha, mambo wedu, iye Mutsvene oga waIsraeri.
19. Ipapo makataura muchiratidzo, mukati, kuvanhu venyu vakatendeka: “Ndakaisa simba pamusoro pemhare; ndakasimudzira jaya pakati pavanhu.
20. Ndakawana Dhavhidhi muranda wangu; ndakamuzodza namafuta matsvene.
21. Ruoko rwangu ruchamutsigira; zvirokwazvo chanza changu chichamusimbisa.
22. Hakuna muvengi achamuripisa mutero; hakuna munhu akaipa achamudzvinyirira.