Mapisarema 89:43-49 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

43. Makadzosera shure munondo wake unopinza, uye hamuna kumutsigira pakurwa.

44. Makagumisa kubwinya kwake, mukawisira pasi chigaro chake choushe.

45. Makatapudza mazuva oujaya hwake; makamufukidza nejasi renyadzi. Sera

46. Haiwa Jehovha kusvikira riniko? Muchazvivanza nokusingaperi here? Hasha dzenyu dzichapisa somoto kusvikira riniko?

47. Rangarirai kuti upenyu hwangu hunopfuura sei. Nokuti makasikira vanhu vose zvisina maturo!

48. Ko, munhu ndoupi angararama akasaona rufu, kana angazviponesa pasimba reguva? Sera

49. Haiwa Ishe, rudo rwenyu rukuru rwekare ruripiko, irwo rwamakapika nokutendeka kwenyu kuna Dhavhidhi?

Mapisarema 89