Mapisarema 89:39-46 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

39. Makaparadza sungano yomuranda wenyu uye mukasvibisa korona yake muguruva.

40. Makaputsa masvingo ake ose mukaita nhare dzake matongo.

41. Vose vanopfuura napo vanomupamba; ava chiseko chavavakidzani vake.

42. Makasimudzira ruoko rworudyi rwavavengi vake; makaita kuti vavengi vake vose vafare.

43. Makadzosera shure munondo wake unopinza, uye hamuna kumutsigira pakurwa.

44. Makagumisa kubwinya kwake, mukawisira pasi chigaro chake choushe.

45. Makatapudza mazuva oujaya hwake; makamufukidza nejasi renyadzi. Sera

46. Haiwa Jehovha kusvikira riniko? Muchazvivanza nokusingaperi here? Hasha dzenyu dzichapisa somoto kusvikira riniko?

Mapisarema 89