39. Makaparadza sungano yomuranda wenyu uye mukasvibisa korona yake muguruva.
40. Makaputsa masvingo ake ose mukaita nhare dzake matongo.
41. Vose vanopfuura napo vanomupamba; ava chiseko chavavakidzani vake.
42. Makasimudzira ruoko rworudyi rwavavengi vake; makaita kuti vavengi vake vose vafare.
43. Makadzosera shure munondo wake unopinza, uye hamuna kumutsigira pakurwa.
44. Makagumisa kubwinya kwake, mukawisira pasi chigaro chake choushe.
45. Makatapudza mazuva oujaya hwake; makamufukidza nejasi renyadzi. Sera
46. Haiwa Jehovha kusvikira riniko? Muchazvivanza nokusingaperi here? Hasha dzenyu dzichapisa somoto kusvikira riniko?