Mapisarema 88:12-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Ko, zvishamiso zvenyu zvinozivikanwa munzvimbo yerima, kana mabasa akarurama enyu munyika yokukanganwa here?

13. Asi ndinochemera rubatsiro kwamuri, imi Jehovha; mangwanani, munyengetero wangu unosvika pamberi penyu.

14. Seiko, imi Jehovha, muchindiramba uye muchindivanzira chiso chenyu?

15. Kubvira pauduku hwangu, ndakatambudzika zvokutosvika pedyo norufu; ndatambudzika nokutyisa kwenyu uye handisisina tariro.

16. Hasha dzenyu dzakapfuura napamusoro pangu; kutyisa kwenyu kwandiparadza.

17. Zuva rose zvakandipoteredza samafashamu; ndakaputirwa nazvo chose.

18. Makanditorera shamwari dzangu navadikani vangu; rima ndiyo shamwari yangu iri pedyo.

Mapisarema 88